Kurapwa kwezvirwere

Kurapwa kwezvirwere https://whatsapp.com/channel/0029VaFIhrxHwXbCcg2VWm2M

Hutano hwenyu hunotikoshera
+263 73 428 6104
(1)

Pane chirwere chepabonde chashungurudza kana kuti kubata vanhu wakawanda uye hachirwadzi saka chinogona kungova nyore ku...
31/10/2025

Pane chirwere chepabonde chashungurudza kana kuti kubata vanhu wakawanda uye hachirwadzi saka chinogona kungova nyore kuignower

S**i iyi muchirungu vanoiti (HPV) kuchipatara nyangweukaswerera inongoramba ichidzoka inezveratidzo sezvizvi
Unonzwa kupisa panzvimbo painenge ichida kubuda
Madzimai inonyanya kuvabata panguva. Yekuda kuteera or after..
Mapundu iwaya anogona kubuda mwedzi wega wega or after 3mnths...

Kubuda twumapundu twumablisters twunongouya twuchienda pamwe twakupora twosiya twuronda pamusoro pesikarudzi kana nhengo yechidzimai

Inogona kuzosiya mavanga anenge ekutsva akatsvukuruka inenge yatove herps inogona kuzokonzera low s***m count kuite hurume hwakaita mvura kusiya growth like chitsinga mumabhora kupera simba pabonde

Kuvakadzi inokuvadza chibereko dzimwe nguva kuzobuda discharge inonhuwa

Vanhu vazhinji chirwere ichi vanacho asi vanozvitarisira pasi saka kana unezviratidzo izvi huya urapwe mushonga uripo

*Nhuka✍🏻*

CHIPOTSWAdambudziko rechipotswa rabata vanhu vakawandisa panyika ñhasi uno...CHIPOTSWA ....chitsinga hachisarudze chinoe...
31/10/2025

CHIPOTSWA

dambudziko rechipotswa rabata vanhu vakawandisa panyika ñhasi uno...CHIPOTSWA ....chitsinga hachisarudze chinoenda kwachatumwa
hazvina Basa une Mari or ahuna

CHIPOTSWA chinoita zvakasiyana siyana pavanhu umwe munhu unogona kuita Ronda ugoti icancer apa chiri CHIPOTSWA
CHIPOTSWA chinofamba ukachinzwa kutsoka uku gare gare patsapfu. icho kumusana chichiita zvachinoda pauri.
CHIPOTSWA chinofamba kusvika kumusoro umwe ndiye anonzwa kunge akufambwa negonye chairo akapabata poti zii..
CHIPOTSWA chine maitiro ekuti chikapinda pauri makumbo Ako anokurwadza kupisa tsoka ...muzvimba kutadza kufamba uye kupera Simba makombo zvokuti chikaregererwa unogona kuita stroke..
CHIPOTSWA chinogona kuuya sehudyiswa zvekare unogona kunzwa njororo mudumbu kurira zvekuti kana ukagara pane vanhu unonyara muchirira mudumbu kruuuuuu kruuuuu uye unonzwa zviya zvekunzwa chinhu mudumbu kufamba kuuya pahuro chodzika mudumbu chogara pahuro.. CHIPOTSWA chinouya kana munhu akuvenga zviya anokuroya nacho uye vanhu vinotiraramisaremara zvachose nacho or kutofa nacho kunyanya chikauya mudumbu chinokuvhara pahuro ukakachidzwa nyangwe urere...
ukanokorwa tsoka nomunhu anokukanga tsoka achiisa mishongA muhari imomo nedombo achitaura achipisa unonzwa kutsva tsoka idzi kubaya baya chitsitsinho chose ichi kubuda tsinga kuseri kutsapfu..kuita bundu pagumbo...tsinga dzeseri kutsapfu kukakata..kutadza kufamba makumbo akazvimba Aya ....kana chikauya paruoko runobanda chaizvo ASI kuchipatara hapanA chinooneka..
kunzvimbo dzatinogara kana kufambiramo mune vanhu vakaoma Muzukru unoteyiwa nekuti waitawo zvinobatika izvozvo unoiswa chitsinga nekuti wane business rawakuita..unorohwa nechitsinga nekuti waroorwa....vanokuteya nechitsinga nekuda kwemota yawatengawo iyoyo....kupiwa chitsinga nekuti wafunga kuenda mhiri ,,,vanhu vakawandisa vari kurohwa nazvo zvitsinga ASI havazive vanomhanyira kuchipatara pascan hapana chinobuda....manje nhAsi Rega ndikuudze usanetseka nazvo.....pane Nzira dzokuti mugadziri wacho chitsinga ngachidzokere kwaari.. .

tsono dzako3...or mubaya mhondoro
mafuta egwai
fodya yehondo(bute)
weti Yako
zawa zawa...kana une Ronda...
mutova
copper bangle.. depends kuti chiripai
ivhu retsoka dzako
munzwa wenungu

nekuda kwekuti zvipotswa zviri muma group akasiyana Siya ukandiudza chakunetsa ndinokuudza zvokuita ipapo ..usatya kuti wagarisa nacho or chakambodzurwa.....izvo zviri apo ndakuudza chinotiza kuenda usachengeta Dambudziko......

*Nhuka✍🏻+263734286104*

31/10/2025

Uyu mushonga unobatsira kune munhu anoita chinhu chogumira munzira hachibudirire apa uchiisa effort yose..kuzama kutsvaga basa haribudirire kungoshanda nguva duku wadzingwa ....kuzama business zvaguma
Kana murudo kungozama uyu akusiya kuda kuzama zvipi nezvipi zvaramba ...kuchikoro ukungofoira...kuda kuendawo kunze sevamwe zvinorambira mari yeticket or visa or sponsor ahachada ....

Chirega kunetseka tora chihowa icho chakaoma kudaro ....enda pa rwizi nokora ivhu remurwiri runoerera jecha racho enda kumba nazvo isa ivhu mucup yeplastik usaivhare kwete, sanganisa nechihowa bata nemaoko ako maviri taura zvaukuda zvose wakabata zvadaro paunopedza kutaura usakanganwe MWENJE WAKACHENA NGAUVHEKE HUPENYU HWANGU RIMA RITARAMUKE ×3

Zvadaro ivhu riise pajira re white wosunga chibhora paunonogeza isa jira rinevhu mubucket or dish rako wotora chihowa ichi isawo imomo geza 3days mushonga ahugezwe nesipo netauro uye ahupukute unotomira zviome zvega .wapedza mazuva matatu uchanodzosera ivhu riya exactlyInotiraramisa murukova pamwechete nechihowa chikandewo mumvura inoyerera ukaona chihowa ichi wachikanda mumvura chika floater choyerera nemvura fara munamato wako wadairwa chienda kumba kwako usacheuke kumashure kana waenda nemota kurukova famba upinde mumota usacheuke ....asi ukaona chihowa chanyura futi mumvura charamba kuyerera tangidza kuita dare iri ...
Ipapo uchapiwa hope and hope idzodzo ahudzikanganwe uchaona vision paifira tsoro dzako kana usina kunzwisisa bvunza sekuru Nhuka....

*Nhuka✍🏻+263734286104*

31/10/2025

Kune uyo anoita business kunyanya aye atinoti online business yekuti unozviita URI uko kana kumba kana office nhasi ndinoda Kuti zvifambe manake

Kana vaye vanoita business Ari panzvimbo remedy iyo manake zvekare Asi usati waita unofanira kunge wakachenawoka...

Unogona kushandisa remedy ye urine bath yandakatumira iya...kana kushandisa cinnamon

Kana wazvichenura TSVAGA

1 ...coconut or coconut oil
2 ...½lemon
3....course salt yematombo iya

Ukawana izvi ndiudze ndikupe mashandisiro
ASI Tanga waita remedy yekuzvichenura

*Nhuka✍🏻+263734286104*

vanhu vakawanda vanozoyeuka bako vatota!!Rega ndikutaurire pane Chinhu chinonzi dzinza  zvadaro pane munhu anouya okuudz...
31/10/2025

vanhu vakawanda vanozoyeuka bako vatota!!Rega ndikutaurire pane Chinhu chinonzi dzinza zvadaro pane munhu anouya okuudza kuti tuka ma ancestors ako mweya yakaipa ..mweya wetsvina kuchitaurwa generation yakabereka Sekuru vako vakuru zvichiuya kusvika pauri.....ok iwewe ukafa nhasi mwana wako obva ati uri mweya wetsvina how do you feel...???
pane mhodzi yamava kudyarwa nhasi ..mhodzi yekunzi iwewe uri mu Islamic...uri Buddha... uri chakati chakazoti ....unoda kudzidziswa culture or kuiswa ma ancestors evamwe vanhu uchisiya madzitateguru ako..
zvimwe zvinhu zvakonzera kuti utambure ndizvo zvokuda kudzidza zvinhu zvausingazogone futi uchisiya zvaunogona... ko iwewe unodii kudzidzisa vanhu ivavo culture yako uvaudze vasiye culture yavo???
chivanhu chedu makes you to think...asi izvo zvaunodzidziswa is to remember just that...

zvino ukatuka mudzimu wako kunova kuri iko kwawakabva unorohwa neshamhu midzimu inokupira gotsi yobva yati ita izvozvo zvechirungu zvacho ndipo paunoona kuti wakanga uri munhu ane zvinhu zvake but now hapana chaunacho vadzimu vakakupa iwewe wobva wanzi vatuke... .dzimba hadzimire...basa hapana....

tasangana nevanhu vakawanda vanozodzoka futi mushure mekunge amboshora ..kupisa machira ..kuturika machira ....kumayeredza machira..kurasa nhekwe pamwe nekutuka dzinza taona vadzoka kuzokumbira ruregerero zvekare kumhondoro dzekwavo hupenyu hotambanuka.

Rega ndikuudze secret iripo vanhu mazuvaano vanokutaurira zvokushora vadzimu ASI NESERI TINOSANGANA NAVO MUMATARE ECHIVANHU vachitenda midzimu yavo vachiputa fodya asi iwewe uchinzi baba vako imhepo yakaipa ....haaaa Svinura...

ndakamboona imwe article yaiparidzwa pa church zvikanzi ""uri munhu rume werudzii asina Tsvimbo yechivanhu"" kududzira kuti tsvimbo yakakosha zvikuru pamatare edu is isusu ..
The spirit of your forefathers are in you and they are calling you to come back and follow the true side of nature to be able to fulfill your destiny...

kana uchiona your spirituality as evil ... but your call upon the European gods and saints to help you on your problems unofanira kuti upepuke

*Nhuka✍🏻+263734286104*

*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa Kushandisa ivhu rekumakuva huromb...
12/09/2025

*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*

Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa
Kushandisa ivhu rekumakuva hurombwa
Kushandisa mvura yagezwa zvitunha hurombwa

Ukaona munhu anokuti tsvaka bvudzi remurungu uuye naro ziva kuti munhu iyeye akaipa chaizvo
Mafuta eSandawana kumashandisa kwaunenge womaita ndokupera kwemhuri yako ....Chimhuka chonzi Sandawana chakaipa

Hakuna lucky rinobva pabvudzi remurungu
Hakuna lucky rinobva pasandawana
Hakuna mudano unobva pamvura yageza zvitunha
Asi kuti ukaona zvunhu izvozvo zvokuitisa lucky ziva kuti Hama dzakufa gore ne gore

Ndakati lucky hombe ririmuropa mako ndosaka muchiiswa nyora kuti dzisvibise lucky riri muropa mako ....Unenge waiswa poison yenyoka nemushonga wakaipa kuti uite munyama ..
________________________________

_Makumbo ako unozora mafuta ekutsvukisa asi haatsvuki ??? I sign ye nyora mumakumbo_
Saka usarombe nokuti hupenyu hwakuomera sukwa ropa rako uone

Mari yeziya inonakidza kudya uye husiku unorara hope dzehumambo

Mari yehtizivea inorwadza kuidya nokuti zvacho zvaunenge uchiita zuva ne zuva unozvidemba ..ukada kuzvisiya unofa

Saka gara uri kuritivi rwakachena ...Usashandisa mishonga yausinga nzvisise nekuda kwekunzi mushonga welucky ...Hakuna mushonga welucky pasi pezuva asi kuti Lucky ririmuropa mako

Mudano pamusika wako uri muropa kwete nemvura yezvitunha

Mudano pachurch pako urimuropa mako kwete kuchekeresa vanhu

Maziso emweya arimuropa mako kwete musoro yegora yamuri kushandisa

Taurai nevadzimu venyu vanonzwa ...Variko vanofamba nevakachena
Taurai naMusikavanhu anodaira Mwari ariko ngirozi dziriko asi Zvofamba nevakachena

Kana uchiita zvechivanhu unotenderwa kunamata here ????
__________________________________

Mudzimu wakachena unozviziva kuti kuna Mwari ....Hongu namatai munamatise .hupenyu hwenyu husunungurwe .....Paunonzwa kuda kunamata namata .....paunonzwa kuda kukumbirira kana kupira ....pira zvako

Ndini ndakambo taura ndakati zvofambidzana ....

Ngwarira kusungirwa dzimu rako nezviyo ...Usainda nazvo zviyo kumasowe ..hanzi tuzvisunge pamucheka tozvisiya mugomo .Gara warega kuinda nazvo nokuti ...Wava padhuze nekutsipikwa iwe

Njuzu inogwinha semagetsi here kana kukonzera mheni????

Njuzu dzinogara pamutumbi umwe chete dzakawanda here ??

Njuzurume ne njuzu hadzi dzinogara pamunhu one here dzese ????

Mibvunzo iyo ndichaipundura chimbowedzerai kuwanda kuburikidza nekukokana .Ndakanzi ndikudzidzisei makawanda

Kana waverenga ita tizive❤️

*Nhuka* 🫴🏻❣️

12/09/2025

*1* Pamusika wako usatsvairirwa nemunhu tsvaira wega uye tsvaira rungwanani kwete zuva rovira....kune vanofarira kutsvairira vamwe pamusika yavo kuita serudo iko kurikuto tsvaira vatengi ...Zvaanenge achitaura mumoyo make achiiudza mutsvairo zvihombe chenjera

*2* Ukaona munhu anotsvaira pamba pake vanhu vachangobva ...Zvoreva kuti vanhu ivavo anenge asingade vadzoke zve pamba pake ..anenge achitsvaira tsoka dzavo kuti vasadzoka zvakare ....Ukaona mukadzi anotsvaira vanhu vachangobuda Ngaavhenekwe aonekwe kuti haana shavi rehusiku here

Mutsvairo unodzinga zvakaipa nezvakanaka zvichiindirana nekuti munhu arikuutsvairisa arikutaurei mumoyo make ,ndati ndikuyambire ini sekuru vako Nhuka

Ukaona mukadzi anotsvaira ruvanze manheru kuma 8 9 10 zvichienda mberi ziva kuti muroyi Umwe kana zvamubata unomunzwa achitsvaira na 12 husiku ziva kuti anenge achisunda mhepo nemutsvairo ....
Kune anotsvaira masikati rakacheka nyika zvinovhundutsa
..Ruvanze runotsvairwa rungwanani kuma 5 zvichi dzira kusvika kuma 7 unotsvaira uchitaurira kuti zvese zvakaitwa husiku takuzvi tsvaira zvidzokere kuvaridzi ...Wotaura kuti varoyi vakauya husiku takukutsvairai tsoka dzenyu musadzoka pano zvakare ...

Ukaona mukadzi anotsvaira ruvanze zuva rakwira kuma 8, 9 kana 10 kusen ngaavhenekwe kuti haana shavi rehusiku here hakuna muroora akadaro .

Mutsvairo une simba rekudzosera hondo kuburikidza nekutsvaira uchitaurira inzwa chizukuru chasekuru Nhuka

Mutsvairo unoshandiswa nevaroyi kusunda mhepo
Saka mhepo dzasundwa nemutsvairo dzino dzoserwa nemutsvairo

Mutsvairo kana wava mudoko doko vanhu vanorasa ...Dai maita zvekupisa muchitaurira kuti mhiko dzakaitwa nemutsvairo mumhuri medu .takudzidambura mobva mapisa zvenyu nokuti mutsvairo mutsvairo mutsvairo mushonga wakaipa mushonga wakanaka .

Kazhinji kurota uchitsvaira zvoreva kuti ukubvisa zvakaipa zvakaiswa muupenyu hwako ...kazhinji mowanzo kurota hama dzenyu dzichiku tsvairirai mudzimba Zvodudza kuti mudzimu wako unenge uchitsvaira svina mukati mehupenyu hwako ...Kutsvairirwa nzira kuti ichene ufamba

*Ndini wenyu Nhuka*
Mova nenguva yakanaka👏🏻👏🏻🫴🏻❣️

07/09/2025

Tora bond paper nyora zita rako katatu nyora zvishuwo zvemoyo wako zvaunoshuwira kuti zviitike before gore rino risati rapera isa salt yemagodo pakati pe paper riya folder paper rako isa paper riya woriisa mukagubhu kanemvura enda pako wega namatira chigubhu chiya chema kuna Mwari wako zvinesimba moyo wako uripamwe chete namati zvishuwo zvako zvawanyora zvirikukati muya, kutanga mangwana Monday geza nemvura irimuchigubhu kwemazuva matatu, wapedza worasa hako chigubhu chiya uone zvinhu zvako zvotanga kuvhurika

NHOKO DZETSURO YEMUSANGO nhoko idzo dzine huera chose uye kuvhura mhanza nekushava ,,huera huri apa ndehwe kudai ..Tsuro...
07/09/2025

NHOKO DZETSURO YEMUSANGO

nhoko idzo dzine huera chose uye kuvhura mhanza nekushava ,,huera huri apa ndehwe kudai ..

Tsuro inofura mashamba nzou ndiyo nguwa yenyika dzimu sakà tsuro inotoratidzwa uswa wekudya uye zvimbo yekuwana huswa hwacho ,,kune vaya vakambovhima ,tsuro inoto famba chinhambwe chinoita makiromita gumi zvichienda ichitsvaga huswa wekudya ,apa inemge uchitumwa nenyika dzimu kuti itekaire kwese uko ipiwe zodzo nehuera hwe nyika dzimu nhai ,sakà inodya huswa nemiti inorapa nekupa zodzo sekuti inodya mufandichimuka ,mbanda ,mutsine ,ruredzo ,tsangadzi ,mashizha emutsambatsi ,mashizha emusekesa ,mashizha emuhacha ,tsonzowa ,tsubvu ,utsiga ,tsarimba dzemu nhondo ,zvichingodaro handingazvipedze zvinosvika zana apa ndangoti muone nekunzwisisa huera hwe nhoko dzetsuro yemusango ,

Tora. Tora. Nhoko dzetsuro idzo unoisa mumvura wogeza muviri mazuva matatu uchapiwa hope dzakanaka uye gwara ,uye kana wanga wakavimbiswa sekuti basa chairo unodeedzwa ,kana wese anga aine chikwereti anodzosa.

✅✅👏🏻👏🏻💯

*Madzikirira*Ukanzwa wotsikirirwa zvekutadza kumuka zvodudza kuti wapindirwa nemuroyi mumba Dzimwe nguva zvodudza kuti m...
07/09/2025

*Madzikirira*

Ukanzwa wotsikirirwa zvekutadza kumuka zvodudza kuti wapindirwa nemuroyi mumba

Dzimwe nguva zvodudza kuti muroyi aripanze mumvuri wake ndiwo unenge wakutsikirira kuitira azokupindira warara

Ukanzwa zvodaro pisa bute neupfu kana kumuka wosvuta bute ..kana kupisa mufa .ukanzwa usisina hope usafoseredza kurara

Kuvhunduka wakarara kana kuti kuvhumuka kutaura wakarara zvoreva kurwiswa pane pasvika zvikara zvehusiku Varoyi .
.zvichidudza kuti mudzimu unenge uchida kutaura asi wobva wavhiringwa ..ndopaunenge wotaura zvisinga nzwisisike ...neimwe nzira vazhinji vanotaura voga vane zvipo ...zvinenge zvichida kugadzirwa kubviswa mbereka kuti zviwane kutuka varoyi

Kana zvagadzirwa ndopaya pekuti unomuka uchituka kana kudzinganisa Varoyi

Kune mudzimu unofamba nemvura ...Zviya zvokuti uchida kubuda kobva kwanaya mvura zvodudza kurambidzwa ..rwendo irworwo pabatisisei

Ukakwira Gomo nemunhu akaipa kana vanhu vakaipa ./ ......worikwira uripa 50 percent yesimba unoburuka Gomo wava ne 20 percent zvodudza kuti unenge warikwira nevaroyi ....ndozvirikuitika .kunevazhinji ...ndichazokupai dzidziso iyi YeGomo kana ndafarisa ....Kudhonzerwa simba mugomo
Kuvharwa mudzimu wanga wotaura mugomo

Kurota uchidzinganiswa nemunhu ihondo
Kurota uchidzinganiswa nemombe tsvuku ingozi
Kurota uchidzinganiswa nenyoka ihondo
Kurota uchiteverwa nembwa dzichida kukuruma imhepo yemapurisa
Kurota uchiteverwa nemupurisa kana mapurisa Mweya wejere

Ukasaisa like waverenga zvoita ndipedze nguva ndisinga tumire zvidzidzo
Sei uchitadza kuyambuya rwizi kuhope ???

WENYU NHUKA💯❤️‍🩹🥰

07/09/2025

*Breakthrough neonion*

Tenga two king onions any color haina basa

Cut them both into half wobudisa 4 mapieces

Izvi unozviita around 6 manheru

Isa bucket rekugezera quarter yemvura imomo

Isa 4 mahalf e onions dziya ita strong prayer uchinamatira dambudziko rako

Isa bucket pasi pemubedha or side re bed raunorara

Around 2100hrs, make a prayer/kutaura nevadzimu manheru. Worara 2200hrs dzisina kuchaya

Muka na 0300hrs makuseni wogeza mvura ine onion iya muviri wose kana wapedza usapukute dzokera unorara

Wozotiudza testimony

Usambotya onion inorwa hondo dzose yega

Even vaya vanoti vane minyama kumabasa vakasairirwa mhepo gezai neking onion

Bring the testimony unogeza once per month

Kamwe chete pamwedzi

Then ndichazokudzai galic iri yoga iri very powerful also

Onion unoicheka nepakati uchikirosa kwete uchidzika wakatarisa midzi

*mukandiyeva ndinoyevawo😢 ,ngatiisei maalike ndirambe ndichiisa dzidziso🙏🏻*

Address

Harare

Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Tuesday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Thursday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00
Saturday 09:00 - 17:00

Telephone

+263734286104

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kurapwa kwezvirwere posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Practice

Send a message to Kurapwa kwezvirwere:

Share

Share on Facebook Share on Twitter Share on LinkedIn
Share on Pinterest Share on Reddit Share via Email
Share on WhatsApp Share on Instagram Share on Telegram