Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro

Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro GURU
wakavadana vano daira

Big shout out to my newest top fans! 💎 Tapiwa Lucky Mujajati, Tatenda Phiri, Chingwaro Chingwaro, Kessly Kb, Jaine Pambe...
26/02/2026

Big shout out to my newest top fans! 💎 Tapiwa Lucky Mujajati, Tatenda Phiri, Chingwaro Chingwaro, Kessly Kb, Jaine Pambeyi, Ruvimbo Jamu, Amos T Ngwenya Chimwamukovo, Ackson Ndedza, Monica Mundoita, Nicky Angel Madari, Maggie Chifodya, Pertunia Rungangaa, Patrick Tsvanhu Pets Tsvanhu, Ronah Tafadzwa, Tinotenda Lapukeni, Beatrice Matienga, Nomatter Zulu Machinya, Madzox Lufuno

Drop a comment to welcome them to our community,

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Martin Njinga, Evidence Tyaringo, Berlinda Katuva, Franci...
26/02/2026

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Martin Njinga, Evidence Tyaringo, Berlinda Katuva, Francis Ndava

Maswera sei hama dzadiwaNhasi ndombotaura nhau yekurongeka mufananidzo wangu ndehupenyu watorarama.tine vanhu vanosiya s...
24/02/2026

Maswera sei hama dzadiwa

Nhasi ndombotaura nhau yekurongeka mufananidzo wangu ndehupenyu watorarama.tine vanhu vanosiya sofa kusvika pakutyoka gumbo ropedzisira rakuiswa zvidhina zvekuti vanhu kana vakugara zvonzi garai zvakanaka modonha ndoda uzive hama nhasi zviri nani mudziyo wakaparara tibuditse mumba togara hedu parupasa mangwna unofa unoda kuti sofa rako rizo goverwa ani achanozvigona zvawaiita kuisa zvidhina

Tine misha yane moter dzotyisa ma 4x4 mazimoter asi svika pamba pacho unoona ruvanzi rwakazara tumoter twakare twakangoiswa pamatanda twakafa tusisagadzirirke tumwe twava marata asi baba vepo havadi kunzwa kuti vatengese vanongoti ndodzida hoyo musi wekufa hama dzotanga kurovana kana kuvengana kuti achapiwa zvakaparara ndiani

Unoona amai vachichengeta hembe dzemwana mucheche wavo gotwe ane 20 years vachiri nadzo mumba goverai zvimwe gumbeze chairo rakadhura hongu asi raparara chirasai imba inozara zvinhu kushaya pekuti ufeme urongedze hazvirongedzeke nemadhende mamwe ehembe dzehukomana nehusikana dzichiri mumba mevanhu vane 40 years moswera munyasha hama

Dzimwe nguva vatinoti vavengi vedu vakaiswa namwari kuti tishande vasatidadire dai pasina ivavo kutaura kuno tisinga muk...
23/02/2026

Dzimwe nguva vatinoti vavengi vedu vakaiswa namwari kuti tishande vasatidadire dai pasina ivavo kutaura kuno tisinga mukire zvatoita kudadirwa kunopa shungu wakatarisa zvimwe zvawajazoita muhupenyu wakazviita nekuda kwekuti waida kuvaratidza kuti unozvigona

Pamwe pacho tinozviona mumhuri kuti asina mari haadiwe kana nevabereki chaivo havatoshanye kumba kweko nokuti hauna asi nonzwa vamwe vachiti vaiva kuno kwako havauye vana vako havadiwe vanonzi vana vevakwasha kunge asiri muzukuru kana kuti wemuwasha ndiye anoberekwa kumusana wako achisiwa anemadhaka achingo kambaira mumadhaka hama usazvidye moyo ingoti kudadirwa kunooa simba komborwai nhasi vana vababa usavenge kana kushora zviise kunaMwari ndivo vane chinangwa

Ndokukwazisai nemoyo uzere mufaro rudo nhasi uno wakafonera amai kana baba munin',ina mukoma hadzvadzi tete sekuru zvino...
20/02/2026

Ndokukwazisai nemoyo uzere mufaro rudo nhasi uno wakafonera amai kana baba munin',ina mukoma hadzvadzi tete sekuru zvinofadza kuona hama dzichiwirirana ivai nenguva yakanaka vakubva kumishando vakuenda vari mimigwagwa kufamba ungava mumotwr kana tsoka asi ndongoti chengetwa nedenga usvikwe kwauri kuwnda munyasha. Amen

20/02/2026

Kwaziwai hwai dzababa

05/01/2026

Makadihama munashe ndokukwazisai nemufaro wakawanda ndichiti 2026 hama yangu zama nepaunogona kuzvibatanidza nenyasha zvoita chete

Dzimwe nguva vabereki tisu tono konzera  kuti vana vasarudze kana kuti vavenge baba sei ndadaro Amai mwana paanodzingwa ...
24/09/2025

Dzimwe nguva vabereki tisu tono konzera kuti vana vasarudze kana kuti vavenge baba sei ndadaro

Amai mwana paanodzingwa chikoro anouya kwamuri oti kuchikoro kodiwa mari momupa odzokera anouya oti ane nzara momotora momupa chikafu anoda hembe dzekupfeka motenga ndimi amo

Vana pavanokura vanoti mai vedu vaiva nerudo dai pasina mai takafa nhasi ndouya ndoti ndimi ana mai makonzera dambudziko iri ndosaka vana kana vachitumira mari vanotumira nezita ramai kana vachitenge zvekupfeka mai ndovanotengerwa zvaka naka baba votengerwa zvekufudzisa mombe nokuti vanoti mai ndovo vakamira nesu

Amai nhasi unganidzai vana muvaudze chokwadi kuti pamaida mari yechikoro ndainoudza baba venyu pamaiva nenzara ndaipiwa mari yekutenga chikafu nababa venhu pamaida zvekupfeka ndaipiwa mari ndono kutengerai vana vakumbire ruregerero kuna baba vavo vari vapenyu zvimwe zvamopumha varoyi hapana muroyi kugunun'una kwababa venyu ndokwasunga basa kwasunga mbereko kwasunga imba pfuma yaramba kubata nekuda kwehutsinye wawuri kuita kuna baba vako unotora amai kuti vauye kumba kwako baba vachinzi sarai nemadhongi nehuku kumusha mubereki ndiye ane munamato wako mukuru

01/09/2025
23/04/2025

Kwaziwai hama nguva yanga yareba

Ramba hupenyu unenge wemu African movie hupenyu wekuti movie rotanga munhu achitambura anoramba achitambura rakunopera anoenda ku dhorobha oita mari robva rapera movie usin kuuona kushanda kwayo ramba hupenyu uyu mhani mwari wandonamata ndasadaro

Inzwa hama tine vanhu vekuti anotambura nguva refu kushaya basa mari kufudziswa mombe kuitiswa maricho zuva raanoti zvake zvaitawo vanhu munongonzwa kuti akaita mari akazodii akafa nemoter yaakabva kunotenga kufa wabata mari ndakadii ndakafa ndisati ndaibata kuita hupenyu wemumovie chaiwo

Tine vanhu vekuti ainzi haarorwe haaite imba haaite mwana achambera achadiwa nani pasisina tariro nhasi arangarirwa zuva remuchato unongonzwa kuti adonha zuva rekubatsirwa mwana nonzwa kuti iye afa zuva rekubvisirwa tunyaya towanda anoda kubvisirwa sei mai vake vasina kusvika mukwasha adzokera sei nyaya dzotanga panewe sei zvichidai ramba mhani kuitiswa nasatani

Sei nyaya dzichirongwa kana zvaita kwauri vanotanga vekwako kuti musatambire mari akaromba ndaanoripa zvakaparwa kwaaka berekwa nhau dzose dzouya kana zvako zvaita sei ndongoti ramba mweya wekusabata zvoenda mberi iwe wabva kure uchizvida AMEN 🙏 🙏

Makadi hama dzadiwaSei mukadzi kana wada murume wemunhu unoratidza kunzwisisa kuremekedza mudzimai wemurume iyeye. Vana ...
26/02/2025

Makadi hama dzadiwa

Sei mukadzi kana wada murume wemunhu unoratidza kunzwisisa kuremekedza mudzimai wemurume iyeye. Vana vacho wakasangana navo kuvabata bata kuvapa tuma sweet kuvaratidza kuvada

Unovimbisa kusavatuka kusadaira kuvaremekedza handei wazongodzi warorwa unotanga kuvavenga kutonga murume uye kumuudza mashoko ekuti avenge mhuri yake .vana vaienda chikoro chaka naka vanopedzira vakusaendako vakudzorwa kuchikoro vakuita chukafu chekutamburira vaisatengesa pamusika mai nevana vanopedzisira vakuenda kunotsvaga madomasi mabanana zvekutengesa mhuri yakutambura

Zvondinetsa murume anenge akutorambidzwa kuenda kumba kwake akutongwa nguva dzekusvika pamba sei zvichidaro

Address

Raffingora/Kamwaza
Zvimba

Telephone

+263738090793

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Practice

Send a message to Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro:

Share

Share on Facebook Share on Twitter Share on LinkedIn
Share on Pinterest Share on Reddit Share via Email
Share on WhatsApp Share on Instagram Share on Telegram